
CHEMBERE inova shirikadzi yemumusha weGlen Norah A, muguta reHarare, inoti yaoneswa nhamo nekugara ichirikitwa kurohwa nemwanakomana wayo anova gotwe zvekuti pari zvino iri kufunga kuzviuraya nekuda kwekushungurudzwa uku.
Munyaya inoratidza kurasika kwetsika dzechivanhu, Mbuya Shupi Kamuzungu (67) vepanhamba 1489 Nharira Crescent, kuGlen Norah A, vanoti kubva pakashaika murume wavo mugore ra2013, upenyu hwavo hauna kuzomboita zvakanaka nekushungurugwa kwavari kuitwa nemwana wavo gotwe Samuel Kamuzungu (30).
“Mwana wangu uyu anotora zvinodhaka zvakauya mazuva ano izvi zvinonzi vanamutoriro neiwo musombodhiya nezvimwe izvo zvinonzi hazvibvumidzwe nemutemo wenyika. Ndakamboedza kuenda kumapurisa mwana uyu akaendeswa kumatare edzimhosva asi zvinoshaya basa. Anongodzoswa pano pamba.
“Ini handichamuda mwana uyu, inotova mhandu chaiyo. Anoti anoda kundiuraya asare nemba yababa vake sezvo achiti imba iyoyi yandakavaka nemurume wangu ndeyakewo. Anonditi ndiri muroyi,” vanodaro Mbuya Kamuzungu.
Vanoenderera mberi: “Murume wangu akabva kuMalawi, saka havana hama muno muZimbabwe. Kwekuenda kuti ndinotaura nyaya iyi kuhama dzemwana uyu handina.