
Mukadzi anogara kwaRusape akatadza kudzora hasha dzake zvekuti akasvika pakurova mwanasikana wake ane makore 4 ekuberekwa uyo waakapisa muromo akasungwa nekuda kwenyaya iyi.
Nenyaya yekusada kunzi ane mhosva Margaret Mufandaedza haana kuda kuenda nemwana wake kuchipatara kuti anorapwa.
Mufandaedza akamira pamberi pedare nenyaya yekusabata mwana zvakanaka uye kuita hutsinye sezvinotaura Section 7(1) yeChildren’s Act, Chapter 5:06.
Akabatwa nemhosva apo akamira pamberi pemutongi wedare repaRusape, Ms Anne Ndiraya.
Mufandaedza akapihwa mutongo wekugara mujeri kwemwedzi 6, mwedzi miviri yakabviswa nekuda kwehunhu hwakanaka hwaaita mujeri.
Mwedzi 4 yanga yasar yakabviswa vakanzi vaite community service kwe140 hours paMorris Nyagumbo Memorial Clinic. Mutongi wedare, Mrs Melissa Saide vakati Mufandaedza akarova mwana zvakaipisisa akamupisa pamuromo nehuni yaibvira.
“Nyaya yakazobuda pakaenda Mufandaedza kuchipatara nemwana aona kuti ronda harisi kupora. Nyaya yakazoendeswa kumapurisa izvo zvakaita kuti asungwe,” anodaro Saide