
Mwana ane mwedzi mitanhatu wekuChinhoyi,Dadirai Seremwe,uyo akashaikwa mwedzi ina yapfuura awanikwa akaraswa kuMt Darwin,215 km kubva muChinhoyi.
Amai vemwana uyu vanogara muRuvimbo suburb,vanoti mwana akashaikwa aine mwedzi miviri.
Akabiwa nemunhu asati azivikanwa apo amai vake,Ms Vicky Nyanhete vaive vaperekedzi muenzi aive avashanyira.
Ms Nyanhete pavakadzoka kumba,vakawana mwana pasisina uye vakaudzwa nevana vaviri vaitamba kuti umwe murume aive apinda mumba akatora mwana kwakutiza.
Ms Nyanhete vakaripota nyaya yavo kumapurisa,asi ndivo vakazosungwa neshamwari yavo kwemazuva matatu.
Maourisa anoti mwana akawanikwa uye maDNA tests aizoitwa kuti vaone kuti ndiye here wechokwadi aive akabiwa kuChinhoyi.