
Mumwe mukadzi wekuCape Town akamira pamberi pedare achipomerwa mhosva yokutengesa mifanandidzo yemwanasikana wake asina kupfeka ari musvo. Mukadzi uyu akabatwa kuburikidza neFBI uye US Department of Homeland Security. Akatombosungwa zvakare.
Mukadzi uyu akasungwa neChina svondo rapfuura apo aive atengesa mifananidzo yemwanasikana wake wemakore mana kuvanhu vakaipa.
FBI yakawana zvose izvi pamasai sai uye mutumwa wekuhomeland security aimira semutengi uye vakamutsvaga kuBonteheuwel, vakakaro National Prosecuting Authority, Eric Ntabazalila.
Mukadzi uyu aipihwa mari yake kubudikidza nePaypal. Mukadzi uyu haasati akumbirira bail pachiitiko ichi.
Anotarisirwa kumira pamberi paBishop Lavis Magistrate’s Court musi wa19 August.