
Gogo Maina Mawoneyi Mafume, avo vanove amai vaMeya weHarare, VaJacob Mafume, vafa.
Kanzuru yeHarare inoti Gogo Mafume vakashaya mambakwedza emusi wa17 Kurume 2023 kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals mushure mekurwara nechirwere chemoyo kwenguva refu.
Bazi rekanzuru rinoti vanhu varikuchema vaungana panhamba 1873 Mt Pleasant, muHarare.
Mashoko ekanzuru yeHarare anoti:
Mutevedzeri wameya Councillor Luckmore Mukunguma, ma-Councillor, Acting Secretary Clerk Eng Phakamile Mabhena Moyo, manejimendi pamwe nevashandi veguta reHarare vanonyaradza zvikuru Mayor Cllr Jacob Mafume, mhuri neshamwari zvichitevera kushaya kwaGogo Maina Mawoneyi Mafume (Amai Mafume). Mayor Mafume).
Vacharadzikwa kwaSabhuku Mbetu, kwaSabhuku Charumbira kuMasvingo.
Mweya Wake Ngauzorore Murugare Rusingaperi.
Hona Gogo Mafume
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?