
Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMvurwi, kudunhu reMashonaland Central, vakasunga mumwe mudzimai weko nemhosva yekukanda kasvava mudhamu kari kapenyu mushure mekutanga akasungirira musaga ndokuzofa nekuny’ura.
Assistant Inspector Naison Dhliwayo, avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, vanoti Jesca Mataja (40) wemukomboni repapurazi rePurangamera riri kuMvurwi akasungwa nekuda kwenyaya yekukanda kasvava mudhamu ako akanga achangobva mukusununguka.
Vanoti nyaya iyi yakafumurwa nevakomana vaviri vechidiki vaitambira pedyo nedhamu iri nemusi wa8 Nyamavhuvhu avo vakaona chisaga chaiva nechinhu mukati chiri pamusoro pemvura.
“Pane vana vaviri vakaona chisaga ichi pamusoro pemvura nguva dzekuma4 zuva rodoka vakachitora ndokuvhura vakaona mukati muine chitunha chemwana mukomana vachibva vazivisa Malvern Matumbe (27) uyo akazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa epakamba yeVelvekia,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.
Nemusi wa9 Nyamavhuvhu nenguva dza9 mangwanani, mapurisa akazoenda kunoferefeta nyaya iyi vanzwa runyerekupe rwekuti Mataja aiva nepamuviri pakazongotsakatika.
“Jesca Mataja achibvunzwa nemapurisa anoti nemusi wa20 Chikunguru ari oga mumba yake yekubikira yehuswa, akasununguka mwana mukomana kuma4 kunze kwava kuedza ndokuenda kunokanda kasvava aka kari kapenyu mumvura akakaisa musaga repurasitiki,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.
Mudzimai uyu akabva asungwa uye ari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi apo mutumbi wekasvava aka wakaendeswa kuchipatara cheMvurwi kunoongororwa nanachiremba.
Asst Insp Dhliwayo vanokurudzira madzimai nevasikana kuti vasaite pamiviri pasina kugadzirirwa sezvo zvichizovapa matambudziko.
“Madzimai vasaite pamiviri pasina kugadzirira uyewo kana vaine vanhu vavanodanana navo, ngavashandise dziviriro kana kunwa mapiritsi. Ngatiremekedzeiwo upenyu hwevanhu nekuti mwana uyu aitodawo kuzokura sevamwe oitawo mhuri yake. Hapana munhu asina kodzero yekurarama,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.
Vanokurudzira zvakare madzimai kuti kana varemerwa nekuchengeta vana, ngavaende kubazi reSocial Welfare, kumapurisa, kumadzishe nemasabhuku vopihwa mazano akakodzera pasina kuuraya vana.