
Mapurisa ari kutsvaga murume akabira madzimai maviri uye akabata chibharo umwe wacho mushure mokunge vaenda kuall night prayer kuMuchinjikwa Mountain in Chinamhora, Mashonaland East paweekend.
Vakadzi vaviri ava vane makore 34 uye 33 vakabirwa mari nemaserura nemurume aive akapakata banga,akabvunza pahuviri hwavo aida kuitwa lula-lula zvechisimba (kubatwa chibharo).
Murume uyu akabata chibharo mukadzi wemakore 34 asati atiza kubva panzvimbo.
Police spokesperson for Mashonaland East Province Inspector Simon Chazovachiyi vakatsinhira chiitiko ichi vakati vakadzi vaviri ava vakaripota nyaya yavo kuChinamhora police station.
Mapurisa ekuChinamhora ari kutsvaga murume akabata chibharo uye akabira vakadzi vaviri avo vaive vaenda kumiteuro yohusiku hwose