
Vagari vemunzvimbo yeKandeya kuMount Darwin vakashamiswa musiwe muvhuro mushure mekunge murume ane makore (82) atemwa nedemo nemuzukuru wake(27) nenyaya yekuvapomera huroyi.
Owen Kudzai Kutika akaendeswa kudare kuBindura Magistrate nezuro nenyaya yekuuraya.
Kutika akaenda pamberi paMagistrate Samantha Dlamini, haana kupiwa nguva yekukumbira, akaiswa mucustody kusvika musiwa August 27.
Edward Katsvairo anoti musiwa 2 August kuBruton Farm, Mount Darwin, Kutika akapomera sekuru vake mhosva yekuti vari kumuroya.
Mushakabvu, uyo aigara ega mumusha weKandeya, akaenda kumba kwake nenguva dza7 manheru, Kutika akatsamwa akamurovera nedemo.
Akavatema kaviri kuruoko rwekuruboshwe. Vakaedza kutiza, asi kutika nehasha dzake akavaudza kuti vaite munamato wavo wekuledzisira asati avauraya, Tsikiso akafira panzvimbo yaakatemerwa nedemo.