
MAPURISA ekuMarondera ari kutsvaga murume akabata chibharo musikana ane makore 15 uyo waakange akwezva nekuvimbisa basa
Lincoln Ngonidzashe (21) wekuFinvara Farm, mumaruwa eMarondera, ari pakutsvagwa nemapurisa nemhosva yekubata chibharo mwanasikana wevanhu mushure mekumuti anomutsvagira basa remumba kuHarare.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Simon Chazovachii akazivisa nyaya iyi. “Parizvino mapurisa ari kutsvaga Ngonidzashe nenyaya yekubata chibharoTiri kukumbira kune chero munhu angave neruzivo rwekuna Ngonidzashe azivise mapurisa ari pedyo, ”akadaro.
Sekutaura kwemapurisa, musi wa 10 Nyamavhuvhu, Ngonidzashe akaenda kumba kwemusikana uyu ndokuudza amai vake kuti aive nehama dzaida musikana webasa muHarare.
Pazuva rimwe nenguva dza6 manheru, Ngonidzashe akaenda nemusikana kumba kwake achifungidzira kuti vaizomukira mangwanani,husiku uhwu ndipo paakabata mwanasikana wevanhu chibharo.
Musikana uyu akazoudza amai vake zuva raitevera nezvekubatwa chibharo ndokumhan’ara kumapurisa. Mapurisa akaita tsvagiridzo, asi akatadza kuwana muridzi wemhosva.Musikana uyu akaendeswa kuMarondera Provincial Hospital kunotariswa.