
Aimbove mudzimai waVice-President Constantino Chiwenga, Marry Mubaiwa akapinda muchipatara svondo radarika mushure mekuramba achirwara hutano hwake huchidzikira, uye achiti haana kuwana rubatsiro rwemari kubva kune aimbova murume wake kana kubva kuhurumende kuti arapwe.
Marry arikurapwa kuchipatara chomu Harare private hospital sezvo achienderera mberi nekurwara nokuda kwe lymphedema, izvo zvakakonzera kuti ave nekuzvimba makumbo nemaoko.
“Ndakaitirwa hutsinye nemurume anonzi Chiwenga, Mahofisi angu ekuDomboshava akatorwa kubva kwandiri uye masoja emaPresidential Guard ane zvombo akaiswa imomo, midziyo yangu yakatorwa yese yandakatenga nemari yangu,” anodaro Marry. — Newsday