
Aimbova councillor weZanu PF kuTsholotsho akatumira mashoko ekutuka paWhatsApp, akabhadhariswa madhora zviuru makumi mashanu ndokutongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi.
VaPatrick Magomora Ngwenya vanga vachipomerwa mhosva yekutyora chikamu cheCyber Security and Data Protection Act 12:07 – cyber bullying and harassment.
Ngwenya (64), uyo aimbove councillor weWard 16 kuTsholotsho akatumira mashoko ekutuka paWhatsApp, achinangana nemumiriri weTsholotsho South mudare reparamende, VaMusa Ncube, avo vaaiti ipfambi.
Nharembozha yake yakatorwa sechiratidziro ndokuendeswa kuCyber Labhoratri uko maodhiyo mameseji akatorwa nekuongororwa uye mushumo wenyanzvi wakagadzirwa.
adenha.
Mukupa mutongo wakakodzera, dare rakaona kuti ari kupomerwa akakumbira mutongo wakareruka nekubvuma mhosva yake nemadiro ake. Haana kuisa Hurumende pauchapupu hwakasimba zvikurusa. Mupari wemhosva kekutanga.
Mejasitiriti akati dare rakaona kuti Ngwenya munhu mukuru ane makore asvika zera rekuti munhu aende pamudyandigere uye dare rine basa rekusapa mutongo unomuvhundusa izvo zvinogona kukanganisa utano hwevakwegura.
Mutongo wemwedzi gumi uyu wakambomiswa kwemakore matatu pachirango chekuti Mpofu mukati menguva iyoyo haafaniri kupara mhosva ine chekuita nemutemo weCyber Security and Data Protection Act. Kana akadaro, anopihwa nguva yekugara mujeri pasina mukana wekubhadhara faindi.
By Makhoti