
MWANA wemakore gumi nerimwe chete okuberekwa wekuMaboleni, kuGweru, anonzi akafa mutsaona yengoro apo yakabheuka ndokumutsitsirira mushure mekunge yarovera pachigutsa.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti tsaona iyi yakaitika nemusi wa2 Nyamavhuvhu nenguva dza5 zuva rodoka.
“Tine tsaona yakauraya mwana wemakore gumi nerimwe chete okuberekwa. Chikochikari ichi chaityairwa naNtandokayise Ncube chisina munhu pamberi vachibva kunzvimbo yemabhzimisi yeMaboleni vachienda kumba,” vanodaro Insp Mahoko.
Mukati mengoro iyi maivawo naMuzingaye Teddy Ntini apo inonzi yakanorovera pachigutsa ndokubheuka, chikochikari ichi ndokunorova Teddy Ntini mumusoro achibva akuvara zvikuru ndokufira panzvimbo.
“Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuMaboleni avo vakaenda kunzvimbo iyi kunoiferereta. Tine hurombo zvikuru nekurasikirwa neupenyu hwemwana uyewo tinokurudzira kuti vanhu vatungamire zvipfuyo kana zvichidhonza ngoro.
“Imhosvawo pasi pemutemo wenyika ino kuti zvipfuyo zvinenge zvichidhonza ngoro kana zvimwe zvinhu zvifambe zvisina kutungamirirwa pamberi,” vanodaro Insp Mahoko.