
Vanhu 7 vekuSanyati vemumusha weJompane 5 vatema tema Razaro Vhurirai nematombo kusvikira afa nekuda kwekuti anga arasa imbwa yavo.
Isah Chitima (30), Tawanda Njanji (17), Gift Chitima (20) naHakilos Kudakwashe Njanji vasungwa uye ndokuendeswa kudare reku Kadoma Magistrates vachipomerwa mhosva yokuponda munhu.
Vamira pamberi pemutongi anogara kuKadoma, VaSingirai Mutiro, havana kubvunzwa kuti vareverere mhosva yavo yekuponda uye vaiswa mutirongo.
Zvirikunzi varume ava vakatora matombo namatanda avo avaishandisa kumurova vachiona kuti afa vakatiza nenzira dzakasiyana.
Mapurisa akabva atevera kwainge kwatiza nevanhu ndokubva vava bata ndokuvasunga.