
Mumwe murume wekuMpopoma anonzi akazviuraya nekuzvisungirira padenga remba yekurara mushure mekunge mudikani wake wenguva refu amudhamba.
Mutauriri wemhuri, Herbert Moyo, akati mutumbi wemushakabvu Thando Sibanda (35) wakawanikwa nehama yavo yakanga yavashanyira.
“Imwe hama yakanga yatishanyira nemusi weChipiri nenguva dza8 mangwanani yakapinda mumba mekurara kuti izomuona, zvinova zvakamuvhundutsa akamuwana akarembera padenga remba,” akadaro Moyo.
Moyo akaenderera mberi achiti mushakabvu akasiya tsamba yekuzviuraya patafura muimba yake yekurara. “Akasiya tsamba yekuzviuraya yaitaura kuti aifanira kupedza hupenyu hwake nekuti mudiwa wake wenguva refu akamudhamba mushure mekunge vanetsana zvakanyanya kuti sei ari kunonoka kumuroora,” akadaro Moyo.