
Bismack Zhou (25) wemumusha weMonyoroka, kuTriangle akamira pamberi pemutongi wedare reChiredzi, Judith Zuyu achisangana nemhosva dzekubata chibharo mushure mekunge arara nemusikana wake asati abhadhara roora kuvabereki vemusikana.
Sekureva kwemapepa eHurumende, musi wa11 Gunyana, 2020 mupomeri akakoka mumhan’ari kumba kwake kuti azivise zviri pamutemo kuvana vababa vake.
Hurumende yakati mushure mekudya kwemanheru, mupomeri akapfigira mumhan’ari mukamuri rake ndokuzivisa kuti vaive vatoroorana zviri pamutemo semurume nemukadzi vasina mvumo yemupomeri.
Musikana akadashurwa sinhi zvakaomarara.