
Musikana ane makore mashanu ekuberekwa anobva kuBanket akafa atsvedza muSewage Pond.
Chiitiko ichi chakaitika kuKuwadzana High Density Suburb.
Faith Manganda akatsvedza munguva dzavaienda kuGarden remunzvimbo iyi aive naMukoma vake John [7) nemwana weshamwari yamai vake Angela Saini (18).
Angela Saini akamhanyira kumba kunozivisa amai vaFaith Felistus Antonio (25) asati anozivisa mapurisa ekuBanket ,Mutumbi wemwana uyu wakaendeswa kuchipatara che Banket District Hospital kuti anoongororwa.