
Pari kufererefetwa nyaya yekushayikwa kwemavaccination cards 250 ayo akashaikwa paCheshuro Rural Health Centre kwaGutu. Hazvisati zvajeka kuti nhubu dzakaba macard aya ndedzipi.
Chiitiko ichi chakaitika Chitatu chadarika. Hapana akasungwa, asi vamwe vakuru panzvimbo yehutano vakabvunzwa. Mhosva iyi yakaonekwa nevamwe vakuru vakabva vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa.
Pane kutyirwa kuti makadhi aya anogona kuzotengeswa kuvanhu vasina kubayiwa majekiseni kuMasvingo nevakapoteredza. Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.